1.
Ishe ndinzwe nekufara
Ndinzwe netsitsi dzako
Dzaunopa vanhu vose
Ngadziuye pandiri, pandiri.
2.
Rega kundisiya, Baba,
Kana ndiri mutadzi,
Ndinokuipa pamwoyo,
Asi uya pandiri, pandiri.
3.
Uya pano, Muponisi!
Ngandichengetwenewe;
Kana uchindishevedza,
Ndichauya kwauri, kwauri.
4.
Mweya Mutsvenewa Mwari!
Rega kundipfuura,
Ngandione ndiri bofu,
Taurai izwi resimba, resimba.
5.
Rudo rwako Mwari Baba,
RoparaIshe wangu,
Nokuwadzana KwoMweya.
Kungavepo kwandiri, kwandiri